My face

I just want to be free!

We will fight for what is justifiably ours even if it means paying the ultimate sacrifice!

Monday, May 28, 2012

Tisakanganwa munhu pagwaro renyika

(I wrote this in Shona because I felt the message could only be unpacked to its uncontaminated pregnancy in this language. Hopefully somebody can translate it to its equivalency in other languages) 

Kwamuri vana vevhu

 Ndinosvitsa maoko kwamuri imi mose vana vevhu, ndichivimba kuti mashoko andichaisa pagwaro rino achawedzera padziva renjere ragara riripo pakati pedu. Ini yangu ndeye NYIKA, VANHU NEHUNHU. Nyika iripapi pavanhu? Ko hunhu muvanhu panyika huri papi? Chikuru chii munhu nenyika? Ko nyika isina vanhu inyika here? Iyi mibvunzo haisi yenhando, asi kuipindura kusakura mugwagwa wepundutso, yanano nejechetere; takanangana nebumbiro ririkunyorwa nevanyori iri.

  Munhu
Vabereki, munhu achizvarwa anenge akazvimirira. Ane zvaanofanirwa kuita kuti ararame – kudya, kumwa, kufema, nekufuga. Anofanira zvakare kuva neutano. Munhu uyu akazvimirira ane pfungwa dzekusarudza zvinomuitira mukati mekurarama kwake. Hazvinei kuti asarudza chii, chikuru ndechekuti panodiwa kuti asarudze, anokwanisa kusarudza kwacho. Naizvozvo Baba Handishaye na Mai Rutsoka vakaenzana pakukwanisa kwavo sevanhu vakazvimirira, kusarudza zvavanoda. Zvino kana munhu achikwanisa kusarudza, mubvunzo unomuka ndewekuti ; pasi pesarudzo panei? Munhu anokwanisa here kungoita sarudzo isinei nekuti raramo yake yakanangepi kana kuti muviri wake unodei? Nemamwe mashoko; munhu anokwanisa here kusarudza zvitsvene zvisinei nekuti zvitsvene izvi, zvakanakira iye here kana umwe munhu? Ini ndinoti, panotanga munhu kukwanisa kusarudza zvitsvene pasina pfungwa yewedzero, mari kana rutendo ndopanotanga chinonzi hunhu. Imbwa nemunhu hazvina kusiyana pakuda kudya, kumwa nekufema. Asi munhu anozonzi munhu nekuti ane hunhu – kukwanisa kusarudza zvakanakira vanhu zvisinei nekuti zvinemubairo here kana kwete. Dai munhu aikwanisa kugara oga, pasina umwe munhu aizoziva here zvakanaka nezvakaipa? Munhu, munhu navanhu. Zvino zvatati munhu anokwanisa kusarudza zvitsvene kana achinge apiwa mukana wacho pasina mutsimba, kuzvitonga kunotangira papi? Chekutanga munhu anofanira kuzviziva kuti munhu. Anokwanisa kuita zvaanoda nepfungwa nemuviri wake. Dai munhu airarama oga, aikwanisa kuita zvaanoda, panguva yaanoda, panzvimbo yaanodira. Naizvozvo ini ndinoti kuzvitonga, kuita zvaunoda, paunodira, kwaunodira. Uku ndiko kuzvitonga kuzere!

  Munhu Pane Vamwe
Kuzvitonga kuzere kunogona kuitika chete kana uchirarama munyika yako woga kana kuti uriwe mambo vamwe vese vari varanda vako, vausinei navo. Pasina izvozvo kukandirana zvibhakera. Isu tati munhu anofanira kutanga aziva kuti munhu, abva ipapo anofanira kuziva kuti vamwe vanhu vanhuwo. Vamwe vanhu vanofanira kumuzivawo somunhu pane vamwe vanhu. Kuzivana uku ndomudzi wejechetere. Vasinamabvi pavakauya munyika ino, mwana wevhu akavaona sevanhu asi ivo havana kumuona semunhu. Saka naizvozvo wevhu akaitwa muranda. Zvino chii chinoitika kana umwe munhu akatanga kuona umwe munhu sekuti haasi munhu? Zvine paviri, uyo ashorwa anozvitambira ogara ari muranda, kana kuti anosimuka orwisawo kusvika angongodzera mune vamwe kuti; “imi, ndiri munhuwo semi!”. Vabereki vedu vakatotora pfuti kuti vazonziwo vanhu. Mazuva ano pahutema hwedu, tavakushuvira kuita vanamuzvinafundo kuti tinziwo vanhu. Vamwe ndovanoshanda nesimbawo chinangwa chiri chokuvawo vanhu pane vamwe. Ini ndinoti; hazvinei neupfumi hwako kana magwaro ako – zvese zviri mumusoro wako. Ziva zvakanaka, ugoita zvitsvene nguva dzose ndiko tigoti uri munhu panavamwe. Kuzviziva nekuziva vamwe kunozvara ruremekedzo, runova ndirwo dzinde reyanano muvanhu. Mukukudzana kwedu ndimo munobva wirirano yekuti wezamu ndeweropa, toziva kuti chara chimwe hachitswanyi inda. Rukudzo urwu ndirwo zvakare runopa kuti uremekedze cheumwe nokuti iwe uwane simba rokuti ichi ndechanguwo. Panguva iyi wava munhu anoremekedza nekuremekedzwa .

  Hutongi hwejechetere
Tatora munhu, zvino ava mune vamwe. Munhu oremekedza nekuremekedzwa. Zvino, munhu kunyangwe ane zvake anoona kuti pane zvizhinji zvaanofanira kuita muonerapamwe nevamwe kuti zvimufambire. Ngatiti munhu uyu ari Masvingo asi anode kuenda kuHarare, zvinoreva izvo kuti anofanira kupfuura nenzvimbo dzine vene vadzo. Saka naizvozvo anofanira kunzwanana nevamwe ava kuti akwanise kutsika nemumatunhu avo. Mukunzwanana uku ndomunobuda mugwagwa weHarare. Munhu anoona zvakare kuti hazvina maturo kuti aite chikoro chake oga. Mukunzwanana uku ndomunobuda chipatara nechikoro chedunhu. Vanhu vasvika payanano yekuita muvakirapamwe uyu ndopochimuka nyaya dzokufambiswa kwezvinhu zveyanano izvi. Chikoro chedu tochifambisa sei? Vamwe ndovanoti chino, vamwe chino asi tose togara nerokuti tichava namuzvinachikoro uyo achava nemasimba ekuchengetedza vana vedu nemidhuri yedu; asika pagore rega-rega anofanira kuzouya achititaurira isu sevene vechikoro kuti zviri kufamba sei. Akatadza tomubvisa pachigaro ichocho. Yanano yevanhu pamagariro avo ndomhodzi yehutongi hwejechetere. Asika izvi hazvirevi kuti vanhu vanoramba vari paruwadzano, dzimwe nguva panoita kusanzwanana kana kufungirana nekumukirana chaiko. Kuti ramangwana ringe rine simbiso yekuti munhu acharamba ari munhu akaenzana neumwe wake, panobuda mitemo yekugarisana. Kana paita mitemo iyi panoita mitongo neanotonga wacho. Munyika yeruwadzano, mitemo inobvumiramwa, anotonga anobvumiramwa, matongero anobvumiramwa. Ndokumuka kwezvinhu zvakaita separamende, magweta nevatongi. Zvino ngatiti VaMadede vaona gombo ravaMavhika ivo ndokuti nechomumoyo, “gombo iri ndarida, ndotoririma chete!” Havo votora gombo riya, musoro ngaa; zvamuri kutaura mese kwavari hazvina maturo. KwavaMadede tose tinoziva kuti kune hwitakwi, hamburamakaka dzavakomana tikangoti bufu tinoitwa kanyama kanyama. Tosimuka takananga kwaVaMadiro avo takati ndivo sadunhu vedu. Pavanonzwa nyaya iyi ivo voti; “Handei tinomuona murume uyu”. Patinosvika paruvazhe, vaMadede vanoregedzera imbwa dzavo nemiseve kwatiri isu toita chipatapata, aziva kwake aziva kwake. Pasure pechinguvana tohwa shoko rovuya kwatiri kuchinzi VaMadede vati havachadi zvemitemo yenyu, uye havachadi zvekutongwa naVaMadiro, havachadi zvose, uye minda yedu yose vatora! Zvorevei kwatiri izvi? Tava varanda vaVaMadede, avo vakakwanisa zvavo kudya zvavapfupi nekureba. Kuti zvakadai zvisaitika ndopanobvumiramwa kuti mitemo isina vanoichengetedza haina chainobatsira. Ndokumuka kwemapurisa nemauto. Mapurisa anochengetedza mitemo, asi haana mvumo yekutonga. Chawo ndechekuona kuti mitemo iripo irikufamba zvakanaka here, hapana arikutsika mumwe here. Ngatiti takabvumirana kuti hakuna munhu acharoora mumwedzi waMbudzi, asi tozohwa kuti VaTsvakirai vakauya vakaroora mumwedzi uyu. Mupurisa chaiye, anofanira kusunga vaTsvakirai nokuti vakatyora mutemo. Zvino kana vaTsvakirai vakati ivo havana kuroora, asi kuti vakangovuya kuzoshevedzera; iri harisisiri basa ravaMupurisa kuti vachitonga vaTsvakirai, rava basa reavo vatakapa masimba acho ekutonga. Mauto edu basa ravo nderokuchengetedza musha wedu kuti avo vabvakure vasawanikwa vachiuya kuzopamba, kupomba kana kuponda mudunhu redu. Chikuru chatinofanira kusimbisa apa ndechekuti, mapurisa nemauto aya ndeedu naizvozvo kunyangwe vane zvombo nesimba rekutiuraya vanofanira kuziva kuti vanhu ndovakavasvitsa pavari ipapo naizvozvo vanhu vevanhu.

  Munhu netarisiro yamangwana
Munhu somunhu wenyama anoda kudiwa nevamwe vake. Zvino tine zvipo zvakasiyana-siyana. Pazvipo izvi panobuda pundutso, tozoona vaMutikeni vava nen’ombe dzakawanda kudarika tose. Tose tinoramba tichiedza kushanda nesimba. Tinoshanda kuti tivewo vanhu panevamwe nokuti nyika inopima munhu nezvaakatakura. Naizvozvo tinozoona vapfumi vachiroorana, varombo vachirooranawo. Isu varombo tinoramba tichingoshingirira nokuti tine tarisiro yekuti nerimwe zuva zvichawira nekweduwo. Dai kusina tariro iyoyi taiwana chekuraramira here? Dai munhu aiziva kuti iye itsuro, uye achafa angori tsuro, aizoita chido chekurarama here? Zvino ndiani anoda kugara hupenyu husina ramangwana? Ndiani angada kufamba achizvirova dundundu achiti anobva mumusha munopfungaira nhamo? Ndopandinoti; kudada neuta hunge pane sango. Vanhu kudada nenyika yavo hunge vane tariro mune remangwana ravo munyika yavo. Chotadzisa vanhu kuti vadade nenyika yechipikirwa ndiyo nyaya yekuti ramangwana hamuna munyika. Madzisekuru edu arikukama nekuvhiya mombe yedunhu. VeAmerica vofamba vachiita kunge nyika yavo ine huchi nemukaka iri nyaya yekuti vane tariro mune remangwana uye vane vimbo negwara rakananga nyika yavo.

Munhu Nyika neBumbiro
Tamuona munhu, tikaona munhu munyika inavamwe. Taona zvekare kuti tinodirei mitemo yekugarisana. Zvino pane mibvunzo mitatu yatinofanira kuzvibvunza kana bumbiro rounzwa kwatiri. Poshi, munhu apihwa rusununguko hwake here? Munhu ngaaite zvaanoda, paanodira chero zvaarikuita zvisingaisi vamwe vanhu panjodzi. Kutengesa kwangu hwakwa pamusika hakunei nehurumende naizvozvo hurumende haifaniri kuswera ichirisa vanhu kuti iri bhizimusi ita iri hariitiwi. Piri; bumbiro iri rinoremekedza here humunhu hwangu? Ini ndinoti bumbiro rinofanira kuremekedza zvandinoti ndezvangu uye zvakavanzika zvangu. Hurumende haifaniri kupinda nomumba mangu ichindiudza zvekudya, zvekumwa kana zvandinofanira kuda. Tatu; ndinohwikwawo here? Bumbiro iri rinofanira kupa munhu simba rake rekusarudza zvaanoda iye. Chese chine chekuita neni ngandipiwe mukana wekuisawo pfungwa dzangu pachiri. Pasina zvitatu izvi ini ndinoti munhu anenge asisiri munhu munyika yababa!

 Ndatenda hangu